Ficool

Chapter 3 - C9

Chapter 9

Javaimboreva kubvunza kuti kwakanaka here mama nekuti dress riri wasi mai hembe yerwendo and ndaive ndakatoritengerwawo nasisi mau Courage zvokuti ndakatoriona mugroup randaive revanhu vanoita zvokutengesa hembe pandakariona ndakatoratidza sisi mai Courage ndikati aya mukazowana mari munditengerewo dress iri veduwee ..aiwa ndaive ndarichiva zvisingaiti raive refu uye hurefu hwaro hwaive hwakaita zvokuti raitovhara tsoka dzangu idzi kana ndakaripfeka uye raitengeswa nedook racho zvakabatana kudaro ..Vakandotengera sisi mai Courage and kubva zvavaive vakaritenga ndaive ndakangoripfeka kamwechete aka kanga katove kechi2 hazvirevi yaive iyo yega hembe yangu yakanaka aiwa ,kungoti raindifita zviskngaiti plus mucheka wacho waisave uya wemazambiya wangozara nemunhu wese waisatove mucheka wezambia ...Asi kuti yaive atire chaiyo saka mama havaimborega kushamisika nazvo nekuti vaiziva handitiofeke pfeke asi pavakati kwakanaka here ndakabva ndavati

"Kunoshatei nhai mama regai ndipfeke hembe dzangu ndichiri mupenyu ndoda kuzoripfeka ndafa here .

Ndakadaro ndichienda kunogeza mazino kuseri kwemba kumapeto kweruwanze vakabva vati

"Apa iro rinokunakira sei dress irori rinokufita chaizvo ndinonzwa kuti ndinoda mukwasha anouya nadzo dzine magogi

Ndakabva ndaseka ndichiti

"Haaa hoo muchanzwika zvenyu nababa ,Ndozvavasingade kunzwa izvozvo

Ndakadaro ndakutodzorera toothbrush ivo mama vakati.

"Aaa zvino unoti havadi kuti uroorwe here ,Vanotoda asi kuti vanoda kuti zviitike negwara.

Ndozvavaitaurazve ivo mama zvanzi zvinofadza isu vabereki kuita zvekukumborirwa mwana kuti tirikuda kuroorawo mwana wenyu.Zvanzi zvinofadza chaizvo and ndaida kuzozviita ini wait and see ndoda kufadza vabereki vangu nekuti vaishuvira zvidhafu paneni gotwe ravo saka ndaisa kuvadadisa chaiko ...Ndakapinda mumba ndokutotota mabook angu mumaoko semazuva ese semunhu arikuenda kuchikoro zvokuti mama havaimboita suspect ndakabva ndabuda ndikati

"Mama ndavekuenda ini

Ndakadaro ndichitonzwa kuti ndave kunonoka nekuti nguva dzanga dzava kuma 9 apa taive takati taizoenda na8 . Mama vakabva vati

"Bvani nhasi motoita sokuti ndimi teacher vachozve kuchena ..Nhasi hauna kukasika kuenda here dzimbori nguvaiko idzodzi

Aaaa vanga voda kudiizve mai vangu ndakakbva ndavati

"Mama nguva dzafamba idzi plus nhasi tiri kuita masubjects akati ooh ndikatinonoka ndinisvika vamwe vave mberi

Ndakadaro ndovanyebera and handina kuzomira ndakabva ndakuenda ...Pandakasvika pamashops paisambove nevanhu vakawanda nekuda kwekuti kwanga kuchiri kuseni asi varume vaya vanomukira kuenda kumashops vanga vatovepo pamashops uye mubhawa maitiridzwa radio vachinji vacho vaive vagere mumabange aive paverander yebhawa ...Ndakaita kutariswa kwandaive zvokuti paifamba munhu wavasingazivi ...And ndoona sokuti vakatoudzana kuti honai munhu arikufamba uko nekuti vese vakabva vatarisa kwandaive apa foni yangu yakabva yaringer aive Lee aifona ndakabva ndadeera zvikanzi

"Bby wadii wapedza here

Ndanga ndakutosvika paroom yake nekuti ndaive ndapinda nepakati pechigayo neimwe shop paive nekamukoto kaindisvitsa kudzimba dzekuseri ndakabva ndati

"Handichaendi ini haaa ndarambidzwa

Akaramba akanyarara zvikanzi

"Oky

Akadaro ndokubva anyarara ndikati

"Asi matsamwa

"Kuita munhu wekungotsamwa nezvese zvese here handina kutsamwa ini .Oky ndokuona ndadzoka ..

Ndakabva ndakata nekuti ndaive ndatosvika ndichibva ndavhura door rake aive akagara pabed uye achiratidza kuti paanga andifinera anga atopedza zvese nekuti apa aive achitoratidza kuti ave ready anga atopfeka zvese neboots paakanzwa ndavhura door akabva asimudza musoro wake kutarisa kudoor ndakaona akusmila akatarisa kudoor kwandaive apa anga akapfeka kepi yebrown yaimatcher neboots dzanga akapfeka dzaive nekabrown apa iri highcut boots yacho akapfeka golf tshirt neskinjean reblack ..Chero akagara ipapo anga akafitwa zvisingaiti zvokuti ndakatoona kufitwa kwacho akagara ..Ndakabva ndanyatsopinda mumba ndikavhara door ..Ipapo aive achiri kusekerera akanditarisa akabva asimuka ummm anga akafitwa shame kuita kuchena chaiko ndakabva ndakuramba ndakamira achibva avhura maoko ake ndakaenda kunozvipinza mumaoko ake ndichiisa musoro pachest ..Handina kuita nguva ndiripo ndakabva ndamutarisa ndichiti

"Makachena

Akabva ati

"Ndiwe wakachena kuita muroora wekwaMunyika chaiye ,My wife youre looking nice wakachena ..

Ndakabva ndati

"Asi imimi makachena ft

Ipapo akabva andibata muchiuno mangu nemaoko ake ese akaita zvokuisa maoko ake kumashure kwangu uye takagumana zvisina kunyanya zvedu bt taive takagumana..takatarisana zvikanzi...

"Mukadzi waLee

Ndakasekerera zvikanzi

"Wakanaka nezvimazino izvi zvakakufita

Ndskabva ndavhara muromo wangu nekuti ndaiziva kuti mazino iwayo Haambondifiti and hanzvadzi yangu Mark aigara akandiudza zvekushata kwemazino angu ..Ende aitondiudza kuti gara wakavhara zvako muromo nekuti mazino acho haakunakire saka ndaitozviziva kuti haandifiti .Asi pandavhara muromo akabva ati

"Keep smiling for me bby

Ndakabva ndakuti

"Haaaaa

Zvikanzi

"Amana seka kani

Ndakabva ndatoseka chaiko nekuti zvaitosejesa kunzi munhu seka imagine kuita zvokutumwa kunzi seka ndakabva ndakutoseka asi ndakaseka ndakabata muromo wangu nekuti zvimazino izvi zvaindibhohwa chaizvo akabva ati

"Handei bby ..

Ndakabva ndati

"Mapedza here

"Ehe ndapedza handei tigozokurumidza kudzoka ..

Takabva takubuda iye haana kana bag raakambotakura aingove iye chete asina kana chaakabata ...Takabuda akakiya door zvikanzi

"Ooooh isa makey mubag

Akadaro achinditambidza makey ndikaisa mukabag kangu kandaive ndatakura asi mabook ndaive ndamasiya mumba maLee ...Takafamba kuenda pabusstop tichida kunokwira dzinoenda kwarusape kutown ...Pamashops panga pane vanhu vakawanda wanda and vaititarisa nekuti machenere acho ataive takaita aitove aya evenhu vekutaindi chaiwo saka vanhu havaimborega kutarisa ...Varume vaive pabhawa vakabva vati

"Ganazi ndimi mukudya mwana here

Ipapo Lee haana kudera nekuti aisave munhu anoda zvisina basa Lee handikanganwi paakamborova umwe mukomana pamashops ipapa zvichinzi anga achizviita chiboss achirova vamwe asi ipapo akabva arohwa zvokuti naLee ...Ipapo varume vaya vakataura futi zvikanzi

"Haaa apa wakabata ganazi bby inyama iro mudhara muisei pari safe mwana uyo ...

Ipapo Lee wacho akanditarisa zvikanzi

"Zvanzi ndikuise pari warm

Ndakabva ndaseka and ipapo pakabva padarika mota apa taive tisati tasvika pabus stop pacho chaipo and mota dzaiti netsei zvishoma asi dzaisanyanya kunetsa zvadzo kungoti yaive dust road and yaisave that busy ..Mota dzaitomukira kuenda kutown dzozodzoka mazuva rovira bt transport haisaizoshaika zvayo..Saka mota iya payakadarika Lee akatoita zvokuridza mheterwa kuti impressed nekuti anga atombozama kusimudza ruoko asi haina kumira ipapo paakaridza mheterwa yakabva yamira mota iya apa yaive opentruck Lee akabva ati

"Ngatifambisei bby

Takafambisa kusvika pane mota iya ndopandakaona kuti mota yacho yaitove yaInno zvayo kamota kechinherera kakaora kare kare kaiti kana komutswa paibuda hutsi hutema sekuti mushini unoputisa maputi ..Kaibva katanga kuti dhurruuuuuu kakamira kombodzima paya aaa kaitovewo kamota kezita ende dai ndakaziva kuti ndiInno ndaisambosiya Lee achimisa mota iyoyo ...

Ipapo Lee akaenda kuside kwadriver apa iye Inno wacho aitove ega kumberi ikoko ..Lee akaenda kudoor radriver akakotamira pawindow ndokuti

"Eee mukuru murisei mukusvikawo tonazi here

"Yaaaa ndokwandukuenda

Apa akadeera akanditarisa Innocent kushata kwake mazipundu machena nxiii chapa iyi hameno aisagona kugeza achiputisa mazipundu iwayo here rinenge rine chirwere chete sei ndaisambozviona kuti rakashata zvimunhu iri asi ndaive ndakavhunduka mota yainayo here ...

Ndainzwa bitter chete bt Innocent was not bad at all aitove munhu musvinu hake asi ndaive ndamuvenga nxaa munhu angandishandisa manje inini ...Ipapo Lee akanditi

"Huya

Takabva taenda kunopinda kumashure tese ini naLee Uyu Innocent ndokudriver toenda haaa kamota kacho ane bhara ari nani ... Asi zvisinei takasvika marusape muya ndokuburuka iye Innocent akatititangidza kudzika ndokunditarisa sokuti anondiziva mbwaa iyi zikurombe .zikuhure ft zvikanzi

"Hesi kani Tyler

"Makadii

ipapo ndakatoona kuti Lee anditarisa zvichida anga anzwa kumhoroswa kwandakaitwa nemunhu rume apa Lee aisazvida aisatoda kuona kana suspect mufoni mangu ndaibvunza vese vandaitaura navo kuti ko uyu ndiyani and ndaitonzi ndikataura nemukomana pafoni nyaha dzacho dzikangoita bby how are ,Are you coming to school , ndaitobvunzwa kuti ishamwarinrudzii inokuti bby apa anenge atori musikana wandinenge ndichitaura naye ..Saka ndakatoziva kuti Haazvifariri saka ipapo ndakabva ndati

"Ddy nditakurei handigoni kudzika

Ndaida kusvotesa iyeye ane mapundu sedatya riya risingagari mumvura rine mazipundu soo ...Anga asina hake akawanda mapundu acho asi munhu uya aitove neskin yakashata yekumeso ...

Ipapo Lee akabva aive adzika akabva andidzikisa pasi ndikatsika zvikanzi naInnocent

"Saka wakaona kuti musoja arinani pane ini here Tyler kkkkkk unosiririsa shamwari

Akadaro asembera kamota kake and ndakamboda kufamba asi ndakabva ndati

"Imbotangai magona kugeza shuwa munhu ane mukadzi anofamba neface ine mabori kudai nxii kutisemesa tibvirei apa ...

Akabva aseka asi achiratidza kuti abhoikana zvikanzi

"Bitterness yakakuzadza hanty ndiko saka ndisina kukuroora kahure kemunhu

Ndakanzwa hasha zvokuti ndanga ndakuda kuchema zvikanzi

"Ndingaroora hure rakaita sewe kuti ndashaiwe ini kutora hure kuisa mumba ndiyani asingazivi nezvako iwewe munhu anobaisa nharaunda yese and manje apa wakutsvaga edzi manje ..Kudanana nemusoja kkkkk wagumirwa shame chihure chako chave pane rimwe level mbuya ..

Ndakazongoona abata muromo wake uku uchibida ropa nechepaside apa ndakabva ndatarisa Lee ndikaziva kuti ndiye anga amurova nezvaanga aita ..And Inno aitoziva aLee bekuti aive musoja saka pamwe kuda akambosanagana naye aine uniform ...Zvino anga arohwa Romo iroro rinotaurisa ipapo akabva akuti

"Ganazi mwana ihure uyu ndukutokulinai handirwadizwe nemi mukuru wangu

Akadaro achioneka kuti akutya zvikanzi naLee

"Kana wakambodanana naye mukazosiyana I dont care bt chandoda kukudza ndechekuti usafunga kuti ichandirwadzisa nemashoko ako aurikutaura wanzwa ..Chero kana akaita hure zvinei newe ukukwana papi kana akafa nacho chihure chacho une hukama naye here ..Ndokumamisa wanzwa ndosiya ndakuoeta right now ...Let me tell you zvisiri zvekukurwadzisa hako ndukuda kukuudza chokwadi ...You think kuti masoja ese mahure ende ft haarori bt you're wrong very wrong uyu wakasiira ini shaaa wanzwa she's mine and ndikakuona uchitungamidza zimusoro rako iroro after her I will kill you mhata yamai vako wanzwa ndivo vakakudzidzis akusaremekedza vanhu kadzi ...Kana wakasiyana naye why urikuda kuvhiringa relationship yako naye sei iri benzi iwewe ..

Aka aive aita zvokundibata neruoko rwake akaisa nechekuseri kwangu muchiuno akati ft

"Usafunga kuti ukadhamba munhu haachawani anomuda why do you want to ruin her...Ihure rei iwe wakatadza kurara naye ..shaa munhu aive mhandara uyu saka zvehuhure hwake unozviwanepi benzi dai ndisikumhanya kwandiri kuenda ndaida kukumamisa uri duzvi

Akabva andibata ndokufamba kubva apa Lee apa ini ndaive ndakangomutarisa tichifamba kubva apa and Inno akasara asina kana say zvayo ..Ndakaramba ndakatarisa Lee akabva anditarisa achibva anditsonyera neziso rake so ndikati

"Don't believe what he just says ..Handisi hure

Akabva ati

"Bby dont be scared of me amana I know you I understand you ndokuziva Tyler hausi hure and I trust you bby he's your ex ende handina chokuita nepast yako so chill hnty ...

Ndakanzwa kurerukirwa chowkadi nekuti ndanga ndisingachazivi kuti arikufungei after anzwa zvakadaro zvichitaurwa pamusoro pangu ...

Akabva ati

"Handei tinotenga chikafu tisati takwira kuenda kumarondera hausati wane nzara here

Ndakabva ndati

"Handina nzara izvezvi ini ndukuguta nekutarisa imimi

Akabva aseka zvikanzi

"Bby tukufana kutenga mota haaa ini zvokufamba zvondibhohwa ndinobva ndanyatsozviona kuti ndiri murombo chaiye aaaa imajini tichikwira tumota twakadai

Ndakabva ndaseka zvikanzi

"Mwari ngavandiblasewo nemari yekutenga mota hauzvioni ...Haaa bt dakutanga ndarora ...

Ndakamuti anditengere mvura nemafrimax takabva tatipinda mubus inter Africa raibva nekwamutare takabva tapinda imomo tikanogara pamwechete . Ndakabva ndakudya mafrimax aya ndikamuti adyewo naye asi akati aive boe ..Handina kudya zvinoenda kure ndakabva mdasiya ndokuisa musoro wangu papfudzi rake akabva andiisa ruoko rwake kumusana rwakapotera kuseri zvokuti aitobaya baya foni yake nemaoko ake ese achitamba game ndichiona ...

Ndakabva ndarara akandimutsa achiti tasvika and anga akutosimuka ndakabva ndakumuka ndokusimuka ndichishama n'ai asi akabva andimbundira zvikanzi

"Ngatidzike takabva takudzika akadeera call yake achiti

"Ehe tasvika ..Huyai pagarage apa paPuma munondiona ...

Akabva akunditi tiende akapedzisa kufona achiti

"Oky kule

Takabva takuenda paPuma paya apo patakasvika paine umwe murume aitooneka kuti mukomana aaa ko mukomana anonetsa kuona here ...Vakabva vambundirana naLee uyo akati vapedza kumbundirana ndokumhorosana iye Lee akati

"Ko nematambudzikoka nhai kule

"Haaa arikuoneka muzaya pakaipa ..Aaaaa sorry

Vakadaro vachindimhorosa ndakatambanudza ruoko rwangu ndokubva vandimhorosa ndikati

"Makadii zvenyu

"Tiripo Makadiiwo

Vakandideera vachisekerera zvikanzi naLee

"Heee Lee toda kumboonawo musikana wako here lee asi haugoni kunyenga here ..uyo mukadzi wangu uyo

"OMG

Vakadaro jule vaya vachiratidza kushamisika pamwe chete nekufara vakati

"Haaaa Lee .Hesi muzaya kkk ndiwe unawo mr arrogant ava

"Matanga

Akadaro Lee zvikanzi nakule vaya

"Everyone is going to be shocked ndati kkkkkk Lee kuita musikana

"Hezvooooo

Akadaro Lee wacho

Be blessed...

More Chapters